ChiShona
Radoje Domanović (Kukadzi 16, 1873 – Nyamavhuvhu 17, 1908) aive munyori wekuSerbia, mutori wenhau uye mudzidzisi, akaita mukurumbira mukuru kuburikidza nenyaya pfupi dzinotsvinyira/kunyomba nekusetsa dzaainyora.
Radoje Domanović akazvarirwa kudunhu reOvsište rinowanikwa pakati penyika yeSerbia. Aive mwanakomana wemudzidzisi uye muzvinabhizimusi ainzi Miloš Domanović naPersida Cukić, werudzi rwaPavle Cukić uyo aive umwe wevakuru vemauto vekumukira kwekutanga nekwechipiri kwekuSerbia. Hudiki hwake akakurira kudunhu reGornje Jarušice pedyo neKragujevac, kunove ndiko kwaakaitira zvidzidzo zvepuraimari. Akapedzera zvidzidzo zvesekondari kuKragujevac ndobva azoenda kunodzidza kubazi rezvedzidzo nehuchenjeri (Philosophy) payunivesiti yeBelgrade, uko akadzidza mutauro nenhoroondo zveSerbia.
Mugore ra1895 Domanović akapinda basa rake rekutanga semudzidzisi kuPirot kuzasi kwenyika yeSerbia inova nzvimbo yanga ichangobva kusunungurwa kubva kuOttoman Empire. MuPirot akasangana naJaša Prodanović (1867–1948) aivewo mudzidzisi uye airwira kodzero dzevanhu anove ndiye akabatsira kuumba maonero ake ezvematongerwo enyika. Ikoko ndiko kwaakasanganawo zvakare neaizove mudzimai wake ainzi Natalija Raketić (1875–1939), uyo aive mudzidzisi murombo aibva kuSremski Karlovci anove ndiye akamutsigira muhupenyu hwake hupfupi uye hwairwiswa zvakanyanya. Vakakwanisa kuve nevana vatatu.
Kubva paakave nhengo yebato rezvematongerwo enyika raipikisa rePeople’s Radical Party, akanetsana zvakanyanya nehutongi hwaObrenović zvekuti akazochinjwa nzvimbo akaendeswa kuVranje pakupera kwegore ra1895 uye mugore ra1896 akazoendeswa zvakare kuLeskovac. Basa rekunyora raDomanović rakatangawo mumazuva aaidzidzisa zvekuti akabuditsa nyaya yake yekutanga pfupi yezvinoitika mukurarama mugore ra1898. Vese iye nemudzimai wake vakadzingwa basa muhurumende Domanović ndobva aenda nemhuri yake kuBelgrade.
MuBelgrade akatanga kushanda nevamwe vanyori ku“Zvezda” zvinoreva kuti Nyeredzi, iro raive pepanhau repasvondo; akashandawo kupepanhau rainzi “Odjek” raive rebato rezvematongerwo enyika rinopikisa. Panguva iyi ndipo paakatanga kunyora nekuburitsa nyaya dzake dzinotsvinyira nekusetsa dzinosanganisira “Dhimoni” na “Kurasa zvishuwiro”. Radoje akazonyanya kukurumbira mushure mekuburitsa nyaya dzake dzakaita mukurumbira dzinoti “Mutungamiriri” (1901) na “Nzvimbo yekutambura” (1902) munove ndimo maakanyatsoshoropodza nekuyanika kunyengera nekuzvinyengedza kwehurumende yaitonga.
Mushure mekubviswa nechisimba kwehurumende yaAleksandar Obrenović mugore ra1903, Domanović aive akurumbira zvikuru ndobva agadzwa kuve munyori wemabhuku mubazi rezvedzidzo uye hurumende itsva iyi yakamutendera kuenda kuGermany kwegore rose kunowedzera ruzivo rwake akanogara kuMunich. Achitarisa muSerbia, Radoje haana kufadzwa nekushaikwa kweshanduko inobatika yakauya pakati pevanhu. Akabva atanga pepanhau rake raibuda svondo rega rega rainzi “Stradija” umo akaramba achishoropodza kusagona kwehurumende yanga ichangopinda. Asi zvinyorwa zvake zvanga zvisisina simba nemukurumbira wazvaimbove nazvo.
Radoje Domanović akafa tichangopfuura pakati pehusiku musi wa17 Nyamavhuvhu 1908 ava nemakore makumi matatu nemashanu ekuberekwa mushure mekurwara kwenguva refu nemabayo uye rurindi. Akavigwa kumakuva manyowani ekuBelgrade. Zvinyorwa zvake zvanga zvisati zvaburitswa zvakarasika muhondo yeHondo yePasirose yeChiposhi.
Zvaakanyora
Zvimwe zvezvinyorwa zvinemukurumbira zvaRadoje Domanović zvinosanganisira:
- Dhimoni, 1898
- Gungwa rerufu, 1902
- Kraljević Marko aripakati pevanhu veSerbia kechipiri, 1901
- Kumukira kwechizvino-zvino, 1902
- Kurasa zvishuwiro, 1898
- Mafungiro emombe yechiSerbia, 1902
- Muchiso, 1899
- Mutungamiriri, 1901
- Nzvimbo yekutambura, 1902
“Radoje Domanović Project” ibasa ririkuchengetedzwa naVladimir Živanović anove injiniya uye anofarira zvakanyanya zvezvinyorwa. Ane chinangwa chekuti mabasa ose emunyori wekuSerbia Radoje Domanović awanikwe padandemutande kuti zviwanise mukana kuvaverengi vose pasi rose wekuverenga zvinyorwa zvake chaizvo uye zvakashandurwa kuiswa mumitauro chaiyo. Nyaya dzinotevera idzi dzakashandurwa kuiswa mumutauro uno zvinemvumo uye dzaiswa pano kekutanga:
- Mafungiro emombe yechiSerbia, 1902
- Muchiso, 1899
- Mutungamiriri (1–2–3), 1901
Zvinyorwa zvino zvakaiswa mumutauro uno naAndrew Warikandwa uye zvakaitirwa “Radoje Domanović Project”.
[Contents of this biographical reference page were written for the “Radoje Domanović” Project with the goal of promoting the life and works of the famous Serbian satirist, Radoje Domanović, and are released into public domain. Editor]